Shona

Mombe yekuronzera (yekurongerwa) kama wakaringa nzira

Keep on watching the path when milking a cow entrusted to you

Tsanagudzo

Chinhu chekuba unoshandisa uchitya; Chinhu chekuchengeteswa usanyanya kuvimba nacho nekuti muridzi wacho angazochitora iwe wanga uchiri kuchishandisa; Chinhu chisiri chako kana chokuronzerwa hachina chivimbo. Hauzivi kuti muridzi wacho achauya rini kuzochitora. Dzimwe nguva angachitora panguva yaunenge uchida kuchishandisa.

What the Words Say

Keep on watching the path when milking a cow entrusted to you

What It Means

You can never use borrowed things with the freedom you would have if it was yours; You cannot rely for long on what has been entrusted to you by somebody else. The owner can return and claim it at any time. Inherited or borrowed things do not really belong to you.