Shona
Chinotaura ndechiri mumusungo, chiri muriva chinoti gore rawa; Inochema ndeiri paurimbo, iri muriva inoti denga rawa.
The bird which shrieks is the one on the bird-lime; the one caught in a stone-trap thinks the sky has fallen.
Tsanagudzo
Ukaona munhu achichema ziva nhamo kuti ane nhamo shoma, kana nhamo dzakawanda munhu haachemi saizvozvo anenge ava padanho rokufunga kuti ndiko kuguma kweupenyu ongoti hamenowo zvazvo.; Munhu anotaura kuti ndiri munhamo kunge asiri munhamo yakakomba. Pane dzimwe nhamo dzokuti hauzombokwanisa kana kutaura. Zvinofanana nokuti "kutaura hunge wapotswa"
What the Words Say
The bird which shrieks is the one on the bird-lime; the one caught in a stone-trap thinks the sky has fallen.
What It Means
A person in small problems often thinks he is in great distress and cries for help, whereas one in terrible trouble will silently despair or sinks into apathy.